1 Timothy 4

Kutsauka panguva yekupedzisira

1Zvino Mweya anoreva zvakajeka, kuti panguva dzekupedzisira vamwe vachatsauka parutendo, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemadhimoni, 2paunyepedzeri hwevanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo pachavo nedare rinopisa, 3vachidzivisa kuwanana nekuraira kurega kudya Mwari kwaakasika kuti kugamuchirwe nekuvonga nevanotenda uye vanoziva chokwadi. 4Nokuti chese chisikwa chaMwari chakanaka, uye hakuna chingafanira kuraswa kana chichigamuchirwa nekuvonga; 5nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nemunyengetero.

Timotio ave wakatendeka pabasa raMwari

6Kana uchiraira hama zvinhu izvi, uchava mushumiri wakanaka waJesu Kristu, wakafundwa nemashoko erutendo needzidziso yakanaka, yaunonyatsotevera. 7Asi urambe ngano dzakaipa nedzechembere. Uzvirovedze pakunamata Mwari; 8nokuti kurovedza muviri kunobatsira zvishoma; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, zvahune chivimbiso cheupenyu hwazvino nehwunouya. 9Shoko iri rakatendeka uye rinofanirwa nekugamuchirwa kwese. 10Nokuti naizvozvo nesu tinoshanda nesimba, nekushorwa, nokuti tinovimba naMwari mupenyu, anova Muponesi wevanhu vese, zvikuru weavo vanotenda. 11Raira zvinhu izvi udzidzise. 12Kusava nemunhu anozvidza udiki hwako, asi uve muenzaniso wevanotenda pashoko, pamufambiro, parudo, pamweya, parutendo, nepautsvene. 13Kusvikira ndasvika, ngwarira pakuverenga, pakuraira, nepadzidziso. 14Usashaya hanya nechipo chiri mauri, chawakapiwa kubudikidza nechiporofita pamwe nekuiswa maoko eutariri. 15Funganya pamusoro pezvinhu izvi, uve pazvinhu izvi, kuti kupfuurira mberi kwako kuonekwe kune vese. 16Uzvichenjerere iwe nedzidziso. Urambire pazviri, nokuti mukuita izvi, uchazviponesa iwe pamwe nevanokunzwa.

Copyright information for Shona